Psalms 147

1Rumbidzai Jehovha.

Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza,
zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza!

2Jehovha anovaka Jerusarema;
anounganidza vakadzingwa vaIsraeri.
3Anoporesa vane mwoyo yakaputsika,
uye anosunga maronda avo.

4Anotara kuwanda kwenyeredzi,
anodana imwe neimwe nezita rayo.
5Ishe wedu mukuru uye ane simba guru;
kunzwisisa kwake hakuperi.
6Jehovha anotsigira vanozvininipisa,
asi anowisira pasi vakaipa.

7Imbirai Jehovha nokuvonga;
muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira.
8Anofukidza denga namakore;
anopa nyika mvura,
uye anomeresa uswa pazvikomo.
9Anopa mombe zvokudya
navana vamakunguo pavanochema.

10Mufaro wake hausi musimba rebhiza,
uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu;
11Jehovha anofadzwa naavo vanomutya,
vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi.

12Kudza Jehovha, iwe Jerusarema;
rumbidza Mwari wako, iwe Zioni,
13nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako,
uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.
14Anopa rugare pamiganhu yako,
uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.

15Anotuma murayiro wake kunyika;
shoko rake rinomhanya kwazvo.
16Anowarira chando samakushe amakwai,
uye anoparadzira chando samadota.
17Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu.
Ndianiko angamira kana chando chake charova?
18Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa;
anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera.

19Akazarurira Jakobho shoko rake,
mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri.
20Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi;
havazivi mirayiro yake.

Rumbidzai Jehovha.
Copyright information for SnaBDSC